Airtime 729x90

WHH Inodzora Ndangariro kuMount Darwin

MarichoMedia

NaConrad Mwanawashe, Munyori Mukuru weMaricho

Chematsenganzungu, gwati, chepamhuno, mhere povo! Mukono wakavovora. Ndainge ndashandisa zvangu chipo chandakazvarwa nacho. Kukanda maoko chitori chipo.

Baba vangu, vaidaidzwa nambuya kunzi Rabusoni (Robson) vakatikudza vachitiudza mutemo wekuti ndingatadze zvimwe zvese kwete kuchengetedza muviri wakaisvonaka wandakazvarwa nawo. Vaigara vachidzokorora kuti musi waunotadza kudzivirira muviri iwoyo hauchazovazve mwana waRabuson.

Mashoko iwayo akange achirira munzeve nemupfungwa dzangu musi uyu tiri pamhenderekedzo dzerwizi rukuru runodaidzwa kuti Ruya, mudunhu reMount Darwin.

Hondo yakange yamuka pakati pangu nechisekuru changu, chihanzvadzi chamai vangu, chaive gotwe mumba mavo chaidaidzwa kuti Kapfunde. Sekuru Kapfunde yaive nhubu zvayo, kudenha paive pamusha, chiti kutaura, waisamharwa nenhunzi muromo. Kapfunde aipotsera magaramoyo pamadiro zvake. Hapanoyi pakushandisa maoko pandeo, ndiye zero chaiyo. Taive hedu takasimbira pamuromo sepinjisi.

Nhau yakamutsa hondo iyi yaive yetsanga dzaidiwa kuchikoro paKandeya Primary School dzekuvakisa rusvingo kuti zvipfuyo zvisapinda muruvanze rwechikoro. Kwandiri, semwana akange abva zvake kuguta, zvekutsvaga tsanga kurwizi, kuvhima, kufudza kana kurima waitove motoro chaiwo. Ndinorangarira ndichichema mangwanani oga oga kuramba kumukira.

Gore nechidimbu randakagara kwaKandeya rakaita kunge ndagara hupenyu hwose.

Kana nanhasi ndikapinda mudunhu reMount Darwin hana yangu inoti padu kurova kuti pada zvimwe ndingazodzorerwa pakutsvaga tsanga nemombe. Handisi kuti zvakaipa asi haiwa hausihwo hupenyu hwandakatarirwawo naNyadenga.

Zvino mumwedzi waMbudzi ndangariro dzetsanga nemabhinya zvakadzoswa veduwe.

Ndini uyo ndabvuma kuenda kubasa nevamwe vatori venhau takananga Dande. Takange taunganidzwa nesangano rinonzi Welthungerhilfe (WHH), iro rinobatsira zvikuru kupedza matambudziko kune vekumaruwa akasiyana muZimbabwe.

Sangano iri rine mabasa ariri kuita kuDande pamwe nekuRushinga akadai sekubatsira kuchera zvibhorani, kuunza mvura yacho pedyo nevagari veko, kuvabatsira zvakare kurongana nekuita magadheni pamwe nekurongana kufambisa basa zvakanaka pamadhibha.

Takati tichipinda muMount Darwin, ndangariro dzakandibata.

Asiwo dzimwe dzaive ndangariro dzakanaka. Ndakabva ndafunga tichirova dhiriri (drill) nePE paRuya Primary, tichikunda zvimwe zvikoro tave kuzoenda kumakundano makuru emudunhu paDotito. Tichisvika paDotito ndakabva ndatanga kuwona mifananidzo mupfungwa mangu ndichitsenhura madhamburosi (dumbbells), chiuno chichiita kunge shinda kumonyoroka madiro.

Haiwa veWHH vasadero kundidzorera makarekare angu ndichazvinzwa!

Ndiri mukati mendangariro imomo ndakazonzwa rimwe inzwi rakazoti; “Muri kuwona here mapaipi emvura ari mujinga memugwagwa ayo? Kana pakaungana madzimai nevasikana vari kuchere mvura apo?”

Takaita chipitipiti kuwona chisiwonekwe ichi. Migomo yemabhaketi yange yakaita mutsara vasikana nemadzimai vachikurukura zvavo mvura ichingori mafashanu kupinda mumigomo.

Inzwi raNyasha Kudenga, weWHH uyo anoshanda nevarimi munyaya dzemvura nekugara kwakatsvinda (WASH), rakadzoka zvakare.

“Mvura iyoyi iri kubva makiromita anodarika gumi muchawona painobva kana tasvikapo paSohwe pane chibhorani. Pedyo nechibhorani ipapo takabatsira vagari veko tikafenza bindu remunda zvekuti vagari vakatoumba boka rinowona nezvegadheni iyoyo. Imomo mugadheni vari kucherazve madziva ekuchengetera hove,” akadero Kudenga.

Tichiri munzira kuenda kuSohwe, Kudenga akatiratidza matangi ekuchengetera mvura ayo akagadzwa mugomo kuti kana yoturuka kubva imomo inenge ine simba rekuti isvike kunogumira chirongwa ichi che “Piped Water Scheme”.

Akaenderera mberi achiti kune zvakare rimwe boka rinowona nezvekudhibhiswa kwemombe. Zvese izvi zviri kubva pakuti pave nemvura yakawanda kubva muchibhorani chakacherwa neWHH kubatsira vagari vemunharaunda iyi.

“Mvura yedu iri kukwidzwa mumatangi nesimba remichina inoshandisa zuva (solar system). Nzvimbo dzekucherera mvura takasarudza dziri pakadzikira kuitira kuti mvura ibve nechemudenga mumatangi ari mugomo zvinoita kuti isvike kwese ine simba,” akadero Nyasha.

Akawedzera achiti, “Tiri kusvitsa mvura kuvagari vanosvika chiuru chimwe chete nemazana mashanu uye tinoishandisa kunwa, kudiridza gadheni, kupfuwa hove pamwe nekudhibhisa mombe nekudzipawo mvura yekunwa yakachena.”

Mumwe wevarimi vemugadheni yepaSohwe iyi anodaidzwa kuti muzvare Charleen Pasimupindu akatiudza kuti WHH yakavabatsira kuti vawane zvidzidzo zvekupfuwa hove kubva kubandiko rinowona nezve hove mubazi rezvekurima renyika.

“Dziva redu rekupfuwa hove rakakura. Tichadyarawo michero mugadheni medu. Tiri makumi mana nevatanhatu, umwe neumwe anenge ane pekurima asi tichishandidzana. Takabvisa madhora mashanu pamunhu wega wega kuitira kuti homwe yedu igare ine mari kuitira kuti tigogona kugadzirisa chinenge chafa.

Zvakare anenge arovha kana kunonoka kuuya kubasa ane muripo wake. Izvi takazviitira kuti pasave neanonyozera kana kurerutsa maoko pabasa. “Takatanga tiri tese kubva pakugobora munda wedu. Zvese izvi zvinoda vanhu vakazvipira,” Muzvare Pasimupindu akataura achidero.

“Takazoita rombo rakanaka kuti takazoendeswa kuMazowe kunodzidziswa zvekuchengeta hove. Ndinotenda zvikuru veWHH vakatitsvagira chirongwa ichochi muno muWard 10 muSohwe nekuti tiri kuwona budiriro munharaunda medu,” akarondedzera muzvare Pasimupindu.

Hurudza yemunzvimbo iyi, inova inotungamirira vamwe varimi inodaidzwa kuti Naison Hakata, yakatiudza kuti dai pasina chirongwa chakaudzwa neWHH vanhu vakawanda vaitambura zvikuru sekuti vaitorarama nekutenga mvura.

Vamwe vaitofamba mutunhu unosvika kana makiromita mana kunotsvaga mvura.

“Tinotenda zvikuru kuti hurumende yakatendera veWHH pamwe nevakatibatsira nehomwe veBauer Foundation kuti vashande nesu. Takabatsirikana zvikuru nekuda kwekudzidziswa maringe nekuchengeta zvipfuyo, mombe, mbudzi, takapiwawo huku dzekuchengeta. Vazhinji vedu vakabatsirikana pachirongwa ichocho nekuti huku dziya dzatoberekana dzatowanda zvekuti. Saka tavandudzika panyaya dzine chekuita nehutano nekuti tave kukwanisa kutorawo mazai pamwechete nenyama tichidya,” akadero Hakata.

“Chimwe chirongwa chakatibatsira ndechekugadzira chekudya chemombe, uria stover, inoreva zvisaririra zvezvirimwa (stover) zvakabikwa nemushonga we urea kuti zvive nehutano hwakawanda hwekudya kwezvipfuyo. Nzira iyi inosimudzirwa zvakanyanya munyika dzakaita seZimbabwe senzira inodhura zvishoma, ine hungwaru mumamiriro ekunze yekuwedzera chikafu chezvipfuyo, kunyanya munguva yekusanaya kwemvura kana mafuro ave kushayikwa.

“Tisati tadzidziswa izvi zvekugadzira chikafu, mombe dzedu dzainonoka kubata zamu nekuda kwekushomeka kwemapuroteni ayo anova anokosha pakukura kwemuviri nekugadziriswa kwenyama. Asi iye zvino mombe dzangu dzave nemazamu nekuda kwekuti dzave kuwana kudya kwakakwana kune hutano,” Hakata akaenderera mberi.

Mumiriri weWard 10 mukanzuru yePfura Rural District Council, Kanzura Tonderai Ndeke akatsanangura kukosha kwekushanda nevagari vemunharaunda munyaya dzezvebudiriro. Akatsanangura kuti makarekare masangano anoita zvebudiriro aingouya nepfungwa dzavo vosiya vaita zvavanoda pasina kuti vagari vanzwisisewo kana kuti vavewo pakati pehurongwa hunenge huripo. Izvozvo zvakakonzera kuti mabasa mazhinji ebudiriro asare achifa sezvo pasina ane ruzivo kana kuzvipira pazvinhu izvozvo.

“Zvakanakira sahwira wedu WHH ndezvekuti pasati patangwa basa, takava nedzidziso inodaidzwa kuti Community Management. Pataiita zvese izvi vanhu vakange vasingazive kuti zviri kubva kupi zvichiendepi asi chinangwa chasahwira wedu chakanga chiri chekuti tinofanira kutanga kugamuchira chirongwa, tochitora tochiita chedu.

“Zvasiyana nemakarekare paiti pakavakwa dhibha, rosvika pakuparara nechikonzero chekuti vanhu vaiti hurumende ndiyo inofanirwa kuuya ichigadzirisa nekuti vakanga vasingawone sechinhu chavo. Asi nekuda kwedzidziso yatakapiwa nasahwira wedu tave kuziva kuti kana tichinge tapiwa chinhu tinofanira kuchichengetedza, chive chedu, chichibatsira isusu senharaunda,” Kanzura Ndeke vakaenderera mberi.

“Chirongwa chese ichi chinosanganisira dhibha, gadheni, michero nehove zvinobatsira hutano hwedu panguva imwe chete hurombo huchisuduruka muWard 10,” vakawedzera kudaro Kanzura Ndeke.

Chirongwa ichi chinopa mvura kumavhileji mashanu. Sachigaro wechikamu chinowona nezvedhibha, VaHonour Ngapasare, vanotiwo sahwira WHH vakabatsira kugadzirisa dhibha kuti rishandisike.

“Dhibha redu rakavakwa nguva yehondo saka zvinhu zvizhinji zvakanga zvafa. Mavhileji anodhibhisa paSohwe anosvika kugumi nematanhatu, vachiunza mombe dzinosvika chiuru chine mazana mapfumbamwe nemakumi masere. Takabva tavakirwazve pekuti mombe dziwane pekunwira pakachena.

“Gore rapera museri takarasikirwa nemombe nekuda kwekushaya mvura. Pamwe pacho taidhibhisa kamwechete pamwedzi asi kubva pagadziriswa dhibha hatina mombe dziri kufa nezvirwere,” Sachigaro Ngapasare vakadero.

Previous Post

Why You Should Fire Yourself and Hire a Farm Manager

Next Post

No Airtime? Still Call. NetOne Has You Covered

Related Posts