“Handibvumi kuudzwa zvekuita neutachiona hweHIV”
Munyori Catherine Murombedzi, anoita hurukuro ine hudzamu naPhyllis Mavushe.
Mavushe izambuko kune vechidiki vanorarama neutachiona hweHIV. Mavushe aipemberera zuva rake rekuberekwa musi wa 28 Ndira.
Murombedzi: Makorokoto ezuva guru raunoberekwaka Phylis. Wakasununguka here kutiudza kuti nhasi wasvitsa makore mangani?
Mavushe: (Achiseka hake) Kana munhukadzi asati asvika makore makumi maviri nemashanu (25) haisi nyaya anotaura. Chingozivai kuti ndadarika ipapo. Ukasvitsa 28 wave kutobvunzwa kuti zvino unowanikwa rinhi nhayi iwe? Saka ini ziiii hangu.
Murombedzi: Uchikura wakazoziva rinhi kuti une utachiona hweHIV?
Mavushe: Handina kukura ndiri ndonda, ndakazorwara ndikaongororwa ndave ne makore gumi nematanhatu, 16. Zvakandinetsa zvikuru, ndaingozvibvunza kuti ‘seiko, seiko nhayi seiko’. Ndakavanekushungurudzika, kusagamuchira, uye kutsamwa. Ndakazova nerwendo rweupenyu ndikazviudza kuti ndizvo zviripo. Ndakazogamuchira hangu ndikabuda pachena kuti ini ndiri musikana anorarama neutachiona hwe HIV, uye ndakaberekwa ndakadaro.
Murombedzi: Ungatiudzeo makuriro ako here?
Mavushe: Baba vangu ndivo vakashaya mugore ra 2001, 28 Ndira. Ndiro zuva randakaberekwa. Ndaive ndasvitsa makore matanhatu. Baba vangu ndaivada zvikuru. Nanhasi ndinovasuwa zvakanyanya. Naizvozvo, 28 Ndira izuva rekusuwa zvese nekufara.
Munganzwisisewo here kufara kunokomberwa nemisodzi yekurwadziwa? Kuberekwa-kune kufirwa nemubereki.
Amai vangu vapenyu, variko.
Ndichikura Amai vangu vaishingairira mune zvose. Chatadya, chatapfeka, mari yechikoro, akosora kana kuchema, vaivepo kubereka mutoro wekuve amai uye baba. Ndinotenda kuti ndakura ndave kushanda kubatsira amai vangu.
Murombedzi: Ko zvivindi zvukubuda pachena kuti ndiri musikana ari kurarama neutachiona wakazviwanepi?
Mavushe: Kugamuchira kuti ndinorarama nehutachiona hweHIV, kwakava mushonga mukuru. Pfungwa dzangu dzakateramira ndikaudza utachiona kuti chiona iwe utachiona, urikugara mandiri asi haunditonge. Ini ndini ndichakutonga, naizvozvo dzikama hako. Kurwadziwa kwakapera. Ndakabuda pachena senzira yekupodzawo mumwe airamba kugamuchira zviripo.
Vazhinji vanonyara nekuti zvinonzi chirwere chehupfambi. Ini ndaitove mhandara, ndaifanira kuve zambuko kune mumwe aive aonekwa kuti ane hutachiona. Mazuva ano ini neshamwari dzangu dzakaitawo seni tinotosekana hedu senzira yekurerutsa ndima. Asi ndinopa yambiro kuti kana usiri muchikepe neni, usandidenha nemamiriro angu. Ipapo kwete, ndiyo stigma iyoyo, kundishora nekundidzikisira. Titori nemaronda manyoro asingaonekwi kunze.
Murombedzi: Ndiudze, Phylis achiri mudiki, wave ku yunivhesiti, naparizvino woshanda.
Mavushe: Ndakadzidza pa misheni, naizvozvo ndichabva hupwere kuitawo chisikana ndaive pa Regina Mundi kubva 2008 kusvikira 2013.
Handina kuenda kuyunivhesiti mugore ra 2014, ndichingopedza gwaro rechitanhatu, Fomu 6. Amai vangu vaive vasina mari.
Ndakaita rombo rakanaka ndikawana basa musangano rinoona nevechidiki vane utachiona hwe HIV+.
Sezita rekuti Zvandiri+, ndakashandawo navo zvakanaka. Mugore ra 2018, ndakakwanisa kutanga yunivhesiti yangu.
Ndina sekuru vakakwanisawo kundikuta nemari yechikoro. Aiwa ndinovatenda.
Murombedzi: Chiiko chinoita kuti ude kushanda dzimwe nguva kuzvipira pasina muripo?
Mavushe: Ndikatarira shure kwandakabva, ndinoona kuti ndakatobatwawo ruoko. Ndaishingiswa kuti hausi kufamba wega. Naizvozvo, ndinofanirawo kudaro kune vamwe. Kandiro enda, kandiro dzoka.
Murombedzi: Tinokuona uchibuda pa TV pachirongwa chinoti: Hongu ndinorarama neutachiona hweHIV chinobuda pasi rose.
Tipakurire tinzwewo zvizere nezve chirongwa ichi.
Mavushe: Ndinoti ipapo pakaparurwa Phylis mutsva. Ndaive ndisina kana kumbodzidzira kuve mutauri pa TV. Mukana uyu ndakaugashira nemaoko maviri. Ndakapinda mudziva repfungwa apo ndaive ndoita chamunyurududu, kutiva, kudzika uye kushambira nevamwe. Nhau dzavaitaura dzaindizuzumisa, ndakave nekudzidza zvakare tichisimbisana.
Ndakaona kukosha kwehushingi hwekubuda pachena. Hatisi tose tinokwanisa kudaro. Naizvozvo anokwanisa, ngaabate vamwe maoko vayambuke. Ndakasangana nevaivewo vakaberekwa vaine utachiona. Vaishushikana kuti seiko, seiko ini? Ndakazvinzwisisa nekuti ndaivewo ndafamba makata anorema iwawo.
Murombedzi: Unonyora padande mutanda, hautye here kuti unozovhara mwena weishwa?
Mavushe: Pandinongotaura kuti ndine utachiona hweHIV, dzimwe shiri dzinobva dzatotiza, kubhururuka kuenda chaiko. Vamwewo vanonyepera kunzwisisa voshamwaridzana neni, ini ndotoona hangu kuti kunyepa uku, anoda kunditokonya.
Murombedzi: Tikatarisa paFacebook pako wakanyora kakawanda uchipanga mazano, imbotitsenhurirawo tinzwewo zvizere.
Mavushe: Ini ndakazvipa chinzvimbo chaTete, munoziva ana tete vave kudhura. Zvisingataurwe izvozvo ndizvo zvine ngozi, iro bonde iroro ndiro rine uriri. Kana wati haugone kumirira wanano, wochita bonde rakadzivirirwa. Ungati kutapurirwa HIV, woti zvirwere zvegonoriya, sifilisi, woti pamuviri, mukwende wese iwowo pamunhu mumwe.
Naizvozvo kune vanorarama neutachiona hweHIV, ukanwa mapiritsi ako sezvakatarwa neve utano, utachiona unoutsikatsika, kuutonhodza. Watonhora sechando hauchatapukire, Utachiona hwatonhora hahutapukire. Pachirungu vanoti Undetectable = Untransmitable. U=U. Chatonhodzwa hachikwati, hachitapukire.
Veduwe, science mutakunanzva gapu renhopi. Ndinotevera science, ndinorarama nhasi nekuda kwe science.
Murombedzi: Uri chamakuvangu mumabhuku, Fomu 4, wakatsvunha ma A seunotopenga hako. Uri kuiteyi ikozvino?
Mavushe: Ndave kudzikisa gejo, ndave kuita zvidzidzo zveMasters yeClinical Psychology.
Murombedzi: Sei wakasarura kudzidza izvozvo?
Mavushe: Ndichikura ndakava nerudo nevanhu, magariro, maitiro uye kuda kuva munhu anoona nekunzwisisa zvinonetsa muvanhu. Pfungwa chinhu chatisingakoshese sevanhu vatema. Tinosvika munhu pakutopenga takarivara hedu. Hatitomboona kuti munhu ashanduka, anyarara, asuwa, otora zvinodhaka. Chokwadi munhu anonyura iye ari pakati pevanhu. Izvi ndizvo zvakaita kuti nditore gwara iri.
Murombedzi: Wati wambokandwa shoko nemukomana anoraramawo neutachiona hweHIV here?
Mavushe: Hongu, kakatowanda. Ndakabvuma kufambidzana nemumwe airaramawo neutachiona hweHIV seni. Hazvina kufamba zvakanaka. Munhu munhu, utachiona hweHIV hausirihwo hungagadzire munhu. Ndainge ndototya kubudamo nyangwe zvaisandiitira. Ndaive ndoti zvino panewo here achazondidawo zvangu ini.
Ndakazoona kuti ndinofira mubhutsu sesokisi, upenyu ndehwangu. Ndakaziva kwangu, iyewo anangawo kwake.
Murombedzi: Pane here zvaungade kuwedzera?
Mavushe: Handiti tose tinonzwa kuti: “Kupedza HIV/AIDS mugore ra2030”
Izvi zvinogoneka kana tisisina vanhu vanobata utachiona, hweHIV. Isu dunhu reSouthern Africa, tichiri kubvira nahwo utachiona hutsva. Dingindira iri rinoreva kuti HIV/AIDS ichange yowonekwa sezvimwewo zvirwere zvese isisapihwe huchimbichimbi hwayaive yapihwa kuti iri idenda. Izvi zvinozoreva kudzikira kweruyamuro kuHIV/AIDS.
Zvingazobuda here isu tiri kuvhura pombi dzeutachiona. Mamwe matunhu nenyika dziri mhiri, dzavo pombi dzochururuka. Dzimwe nyika dzakatovhara pombi yeutachiona.
Chenjedzo: Mangozvinzwira pamhuno sefodya, ngatidzimurei utachiona. Ari pachirongwa, ngaanwe mapiritsi sezvakataurwa navana chiremba. Vasina utachiona, hekani waro, ndiko kugona. Gara wakachenjera, usabatira utachiona hweHIV.
Ngatikurukureyi pambure: cathymwauyakufa@mail.com