Nemunyori weMaricho
Sangano ramadzimai reMhande Community Health Club rashandura dunhu reMhande Village, Ward 10, Rushinga District, kuMount Darwin, nekufambisa shoko rehutsanana mudzimba nemunharaunda.
Sachigaro weMhande Community Health Club, Mai Fungai Kaereza, anotipa nhoroondo yerubatsiro rwavakawaniswa nesangano reWelthungerhilfe (WHH), iro rinomukurumbira wekubatsira kupedza matambudziko, kunyanyanyanya ari maringe nekuwaniswa kwemvura yakachena neehutsanana kumaruwa akasiyana-siyana muZimbabwe
Mai Kaereza vanotsanangura vachiti dzidziso dzavakapiwa nasahwira wavo weWHH, nezvechirongwa cheNyamarodza Piped Water scheme, chakaunza mvura munharaunda yavo. Izvi zvakazounzawo mabasa ekuvaka zvimbuzi nemamwewo avakazotangawo seboka rapiwa masimba kupfurikidza nedzidziso yavakange vapiwa.
Mai Kaereza vanoti, “Vabereki vedu vaifamba zvekusvika makiromita gumi kunotsvaga mvura. Isuwo takange tave kuwona sekuti taifamba pari nani nekuti taifamba makiromita anosvika mashanu chete kutsvaga mvura yekunwa. Muno makanga musingawanikwe mvura zvachose.
“Mugore ra2021, hurumende yakatiwanira nyasha, yakatiwanira masahwira akatiwanisa mvura. Mvura yakauya kuburikidza neWHH neCharity Water. Takagadzirirwa Nyamarodza Piped Water Scheme inotakura mvura kubva kuNyamarodza kuuya kuno kuMhande Village, makiromita anosvika maviri.”
Vakaenderera Mai Kaereza vachiti, “Mugore iroro takangozvitorawo sedambe, sevanhu vanga vajaira nhamo yemvura hatina kuzvigamuchira kuti mvura ingafambe nepasi pakareba kudero kusvika kuno kwatiri. Takazoita karikiriki kuchera migero mvura ikauya mugore ra2022.
“Mushure memwedzi ingasvika mitatu tatanga kushandisa mvura, sahwira wedu akadzoka zvakare nechirongwa chekuvaka zvimbuzi munharaunda yedu. Tiri vanhu vakanga vakasara zvakanyanyisa. Taingofunga kuti zvataiita zvaive zvakanaka asi tisingazive kuti zvaikanganisa hutano hwedu.”
Mai Kaereza vakawedzera, “Kuseri kwemba hakwaitiremera kuitira tsvina, murukova mataizocherazve mvura yekunwa hamaitiremera kuitira tsvina. Mvura ichinaya tainzwa kufara nekuti taingoti ndimo maakuwanika mvura yekuwacha, yekugeza neyekunwa asi tisingazive kuti zvakange zvisina hutano.
Mai Kaereza vanoti pakazouya hurumende nasahwira akazodzoka achivaudza kunaka kwezvimbuzi, havana kunonoka kutambira chirongwa ichi nekuti vakanga vawona kunaka kwezvakanga zvaitika pakuuya kwemvura.
“Village redu rine misha makumi masere nemina. Mushure memwedzi mina, Mhande Village yese yakange yave nezvimbudzi. Hatina kubatsirwa kuvaka asi dzidziso yatakange tapiwa nasahwira yekuti panodiwa zvidhinha zvingani, semende yakawanda zvakadii, jecha nezvimwe, takazvigamuchira tikazviita nemufaro nekuti takange tave nemvura yekunwa yakachena saka taida kuti ramangwana redu rive rakajeka.

Pakuvaka zvimbuzi takaumba boka rinonzi Sagi iro raive nevanhu vanomwe vakazvipira pachena vachifamba vachikurudzira kuvakwa kwezvimbuzi. MaSagi aibatsirazve pachena misha yairemerwa nekuvaka zvimbuzi, tichichera mvura kana kutsvaga jecha rekuti chimbuzi chivakwe. Izvi taisabhadharwa taizviita pachena.
“Zvakatifadza chose kuti mushure memwedzi mina, Mhande yese yakange yave nezvimbudzi. Izvi zvakatifadza kuti takanga taakunwa mvura yakachena, tsvina yedu tave nepekuirongedzera haichawanike pese pese. Izvi zvakatipawo kuti takange taakugona kudyawo matumbu ehuku nekuti pese apa tisati tave nezvimbuzi tairasa matumbu nekuda kwekusema tsvina yedu yataiitira kuseri kwemba.”
Mai Kaereza vakabva vaseka zvavo vachiti iye zvino vava kudya huku nematumbu adzo kuburikidza nedzidziso yehutano yavakapiwa nasahwira wavo WHH achibatsirana nehurumende. Vakapfuurira vachiti mugore ra2021 iroro vakazofunga kuwedzera vamwe muchikwata cheSagi chiya kuti hutano nehutsanana hwavakadzidziswa husadzokere kumashure.
Vakati vakabva vatanga kutaura nevamwe mumisangano mamwe madzimai nekuwona zvavakange vaita vari vanomwe vakabva vazvifarirawo boka ravo rikakura kusvika pamakumi maviri nevashanu.
Vakasimudzira vachiti, “Tawanda kudero takazotanga kuunganidza mari yemukando yataizotambirisana pakupera kwegore. Apa kwanga kwasara mwedzi mina kuti gore ripere! Izvi taizviita nekuti takange tave nehupenyu hutsva hwakange hwanyuka muno muMhande. Kupera kwegore ra2021 irero takatenderana kutenga mbudzi nhanhatu. Takadzichengeta mbudzi dziye padanga rimwe chete. Hatina kuziva kuti tichahwandirwa.
Takazotenderana kuti tiwunganidze madhora mashanu pamunhu uye pamwedzi topota tichikanda madhora dhora pamunhu. Mwedzi wega wega taifamba tichiwongorora kuti hutsanana huri kuitwa here, zvivanze zviri kutsvairwa here!
“Nemudzimba taitarisazve hutsanana. Vanhu vakambotanga vachiwona setinonetsa asi vakazowona kuti zvechokwadi zvaibatsira nharaunda yedu ndokubva vazvitambira. Kwakazouya chirongwa chekuvaka matara emiti, kuchera makomba emarara pamwe chete nezvigubhu-giya, chinova chekutsika chitanda chine tambo inorerekesa chigubhu chine mvura yobuda munhu ogeza maoko. Zvakatanga zvichinetsa kuti ndikabva muchimbuzi ndopfuura ndichigeza maoko pachigubhu-giya chiya sezvinhu zvatakanga tisina kujaira.
“Takafamba tichiita mukando wedu ndokubva tatanga kuchengeta huku, taigovana huku nemazai, pamwe totengesa huku dziye togovana mari kuti ibatsire boka redu kubhadharira vana mari yechikoro.Takazviita mugore ra2022.
“Mugore iroro mbudzi dzedu dzakanga dzabereka kusvika gumi nenhanhatu. Shuviro yedu yakange yave pakuti tikaita makore mashanu taizogona kutenga motokari yemhando yeHonda Fit yekuti taizotakura vana vechikoro tichibhadharisa pamwedzi. Gore rapera kwakaita nzara, mbudzi dzedu dzakabiwa, danga rese.”
Mai Kaereza vanoti vakambofunga kuti vabve vaparadza nehuku dzacho vasiyane nazvo asi havana kuwora moyo.
Vakashingisana sevanhu vaive nemuwono wekuenda mberi uye kuti hutsanana hwavari kuita hunofanira kuvapa chimwe chinhu chavanozotaura nezvacho. Vanowedzera vachiti mugore irero mukando wavo wavaive vaunganidza waisvika mari yainge yakati nakei asi vakazodzokera kumashure nenyaya yenzara.
Izvi zvakaita kuti vatengerana hupfu zvinova zvinhu zvakazoyemurwa nevavakidzani vavo nekuti mwedzi wega wega umwe neumwe ari muboka revo aiwana 10kg yehupfu. Nekudaro havana kuzomira kuita mukando kana kuchengeta huku. Vakatiwo vachiri kuda kudzokera zvakare pakuchengeta mbudzi.
Mushure mazvo Mai Kaereza vanoti vakazogovana mari vakabhadharira vana vechikoro gore rapera sezvo ranga riri gore rakawoma. Wese ari muboka ravo hapana ane mwana ane chikwereti kuchikoro. Vakatiwo gore rino huku dzavo dzakapinda chirwere dzikafa.
Asi iye zvino vaakutotangazve kusimudza danga ravo uye vanoti muhomwe yavo vaine mari yavo yavakachengeta. Shuviro yavo ndeyekuti vana vavo vafanane nevamwewo vakagarika muzvikoro uye kuti vachashingirira kuti vasvike ipapa.
“Mvura yatave kuwana yakachena, tave kusimawo michero tichidya zvine hutano. Tiri kugezawo chose, muriwo taakudyawo yakachena. Izvi tinozvitenda kuti zvakauya nedzidziso yatakapiwa. Chinangwa chedu ndechekuti tirege kudzokera kunoitira tsvina musango kana kuseri kwedzimba.
Izvi zvinoratidza kuti takatambira chirongwa chakabva kuna sahwira wedu, WHH nehurumende zvinova zvinhu zvaderedza urwere munzvimbo yedu. Vana vaingochaya tisingazive chikonzero nyamba zvaikonzerwa nehutachiwona hwataigadzira isu mumamisha.
“Kubva 2022 patakatanga kushandisa mvura kubva muPiped Water Scheme, hatisvike vana kana vashanu vanenge vachinzi vari kuchaya. Tiri kushuvira kuti dai chirongwa ichi chaitika Zimbabwe yese nekuti hutano hwakanaka tazviwona kuburikidza neWHH neCharity water.
Zvakadai, takataura nevakuru veWHH vanowona nezvedunhu iri vakatiudza kukosha kwekushandidzana pamwe chete nekudzidzisa vagari zvehutsanana nekuzvibata.
Vanowona nezvemabasa vari kusangano reWHH, VaTamuka Betserai vaakatsanangurawo kuti sangano ravo rine donzvo rekupedza nzara munharaunda iyi.
VaBetserai vanoti, “Kubva mugore ra2019 kusvika pari nhasi tiri kutsigira nehomwe inounzwa neboka reCharity Water panyaya dzemvura nehutsanana, WASH, nekuenderera mberi nekupa vanhu mvura yakachena.
Mukushanda imomo takazowona kuti tine dambudziko rekuti zvibhorani zviri kucherwa zvosara zvichifa. Naizvozvo, vabereki vaisagona kuita zvirongwa zvekuti basa iri rienderere mberi.”
VaBetserai vakawedzera vachiti, “Ndipo patakazotanga imwe project yatakapiwa rubatsiro kubva kuGermany kumahofisi makuru eWHH inonzi WASH Systems Strengthening yekuzama kusimbisa WASH iyoyo.
Izvi zvakabatsirawo kugadzira nyaya dzekuti basa rive neramangwana vabereki vakwanise kugadzirisa zvibhorani zvavo, vagone kuita mari kuburikidza nemukando nezvimwe zvakadero. Chirongwa ichi chinoita kuti vadzidze kuronga pamwe chete nekugadzirisa zvibhorani zvavo nezvimwe, pamwe nekushandidzana nekanzuru yavo.”
District Development Coordinator weRushinga District, Muzvare Lorreta Rumbidzai Dube akataura kuti nzvimbo yavo yakaita rombo rakanaka kubatana neWHH munyaya dzemvura nehutsanana munharaunda.
“VeWHH vari kubatsira zvikuru kuchera zvibhorani, kugadzirisa zvibhorani zvanga zvakafa pamwe nekupa vanhu mvura yakachena mumatepi. Izvi zvabatsirawo kuti hugari hwevanhu vari kuRushinga vagarewo sevari mumaguta pakuti vave kuwanawo mvura yakachena uye chirongwa ichi chabatsira kuti vana vari kuzvikoro nekumakirinika mvura yaveko.”
Muzvare Dube akaenderera mberi achiti, “Havana kungogumira pamvura chete asi kuti vanga vachiitawo zvehutsanana nekudzidzisa nharaunda. MuRushinga tine matunhu akatonzi ave Open Defecation Free, kureva kuti vanhu havachaende kunozvibatsira musango asi vave kuvaka zvimbuzi zvinotarisirwa zvinonzi Blair Ventilated Improved Pit Latrine.
“Hapana chinganzi chinobatika chakabva kuna sahwira asi chirongwa ichi chinoti nharaunda inodzidziswa, inomutswa pfunga dzayo kuti iwone kunaka kwakaita chimbuzi kuti tikwanise kudzikisa zvirwere zvakaita sekorera. Kana munhu awona kushata kwekushaya chimbuzi onozvivakira achishandisa zvaanazvo nekuti ave kunzwisisa kukosha kwehutsanana pamba pake.”
Vakapedzisira vachiti, “Tavewo nevamwe vanhu vedzimwe nharaunda vakadzidzawo kubva kune avo vanga vari muchirongwa icho vakawona kukosha kwezvimbuzi padzimba dzavo.”

